segunda-feira, 13 de janeiro de 2014

Mujaha anoura babamukuru wake nemhosva yekumupomera huroyi

Mujaha anouraya  babamukuru wake nemhosva yekumupomera huroyi
Nhau na John Chekwa

14 Ndira 2014

Pane mujaya uyo anoziwikanwa nezita rekuti Eduede Diogo Ajuda wemakore 21 ekuberekwa, ari mugari weguta reChimoio muprovinzi ye Manica munyika ye Mozambique, uyo auraya babamukuru wake achimupomera mhosva yekuti muroyi.

A mai Rosita Paulo Matsito mwaramu wemushakabvu, wataura  kuRadio Catandica kuti izvi zvakaitika nezuru, musiwe Muvhuro (13) mwedzi uno waNdira gore rino rezviuru zviiri zvine gumi nezvirongomuna muVila de Catandica, Báruè District muprovinzi ye Manica.

A mai Matsito wanoenderera mberi wachiti mushakabvu uyu munhu anga abva zera uye angaasvitsva makore 82 ekuberekwa ari murwere, metamakumbo.

Zvinonzi mujaya uyu akabata rwendo kubva kuChimoio kuenda kuCatandica kundoita basa iri nezuro panguwa dzezvirongomuna (4pm), uye akamurowa nemuti achimumanikidza kutaura kuti muroyi apedza hama.


Parizvino mujaya uyu ari mumaoko emapurisa e República de Moçambique (PRM).

Sem comentários:

Enviar um comentário